1
Mwari samasimba, ndinokupai urwere hwangu ndichiubatanidza nokutambudzika kwakaita Mwanakomana wenyu. Muviri unoera waJesu wakarwadziswa zvinosuwisa kuri kuda kwenyu kuti nomukutambudzika kwake, vanhu vawane ruponeso. Kutambudzika kwangu kunowanawo pfundutso kana ndichikubatanidza nekwaJesu kuti ini navanhu vose vaponeswe.
2
Mwoyo Mutsvene waJesu, ndinokumbira kuti mutsitsi dzenyu, mundipewo simba rokugamuchira urwere hwangu. Kana kuri kuda kwenyu, mugondidzorerawo kuutano nokuchimbidza. Tenzi wadiwa, imi makarapa ambuya vaPita, ndirapeiwo kuti ndigone kusimuka nokuita basa rangu, kana kundipawo kuzvininipisa mukugamuchira rubatsiro rwavamwe. Ndipeiwo nyasha dzokuona mutsa nomwoyochena wenyu mune zvose zvinoitika muupenyu hwangu. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.