1
M: Mutumwa waTenzi akaparidza kuna Maria. D: Maria akava amai vaJesu nesimba raMweya Mutsvene. Kwaziwai Maria..... M: Onai ndiri murandakadzi waTenzi. D: Ngazviitwe kuneni sezvamareva. Kwaziwai Maria...... M: Izwi akava munhu; D: Akagara nesu Kwaziwai Maria.... M: Tireverereiwo, Amai Vatsvene vaMwari, D: Kuti tikodzereswe kuwana zvatakapikirwa naKristu. M: Ngatinamatei Tinokumbira Tenzi, kuti mudire nyasha dzenyu mumwoyo yedu, kuti isu takaziviswa nomutumwa, zvokuva munhu kwaKristu Mwanakomana wenyu, tigoneswe namarwadzo noMuchinjikwa wake kumuka nokuenda naye kuupenyu husingaperi. Tenzi wedu Jesu Kristu, tisvitsireiwo izvi kuna Mwari Baba. D: Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.