Bhaibheri

Hosi Yedenga Chifarai

Catholic · Minamato · 6

1

(Tinonamata mumwaka wePasika tichiti:) M: Hosi yedenga, chifarai, areruya. D: Nokuti uyo wamakakodzera kubereka, areruya, M: Wakamuka sokureva kwaakamboita, areruya. Vose: Mutireverere kuna Mwari, areruya. M: Farai nokufara, Maria Mhandara Tsvene, areruya,

2

D: Nokuti Tenzi akamuka chokwadi, areruya.

3

M: Ngatinamatei

4

Vose: Mwari, imi makada kufadza pasi pose nokumuka kwoMwana wenyu, Jesu Kristu, Tenzi wedu. Tinokumbira nokuna amai vake Maria Mhandara Tsvene, kuti mutipewo mifaro isingaperi kudenga. Tenzi wedu Jesu Kristu, tisvitsireiwo izvi kuna Mwari Baba. D: Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.