1
Baba, mukufamba kwangu nzendo mazuva ano, ndichengetedzeiwo murudo rwenyu. Ndidzivirirei kunjodzi dzose uye matutu anotyisa. Ndipeiwo ungwaru nouchenjeri kana ndiri mumvura, mumasango kana mumakomo. Ndibatsirei kuremekedza zvinhu zvamakasika kuti ndisazvishore kana kushatisa runako rwazvo. Itai kuti ndizodzoka kumusha ndiine kutenda nemutsa wakawanziridzwa uye ndicherechedze nokuyemura makomborero enyu. Ndinokumbira kuti mukomborero vamwe vose vari parwendo nedziviriro nomutsa mumwechetewo. Ndinokumbira izvi zvose nomuzita raJesu. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.