Bhaibheri

Munamato Pazuva Rokuberekwa

Catholic · Minamato · 54

1

Mwari ndinokutendai nokundipa rimwe gore reupenyu. Ndinokutendai pamusana pavanhu vose vandirangarira

2

zuva ranhasi vachindikorokotedza nezvipo, mashoko netsamba dzokundishuvira zvakanaka. Ndinokutendai pana zvose zvamakandigonesa kuita nokuva mugore rapfuura. Ndinokutendai pamusana pazvose zvandakasangana nazvo mugore rapera; ndangariro dzokukunda dzinondipa mufaro nguva dzose; nguva dzandakakundikana, dzinondiyeuchidza kuti hapana chandinogona kuita nokwangu, asi ndinotoda rubatsiro rwenyu; nguva yomufaro pandainzwa madziya ezuva; nguva yokusuwa, yandaitizira kwamuri. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.