1
Jesu muzere tsitsi kwazvo, munogarotinzwira ngoni uye munotiregerera, musaringe matadzo edu, asi ringai chete chivimbo chatinoisa muUnaku hwenyu husingaperi. Tigamuchirei mukatikati memwoyo wenyu uzere rudo netsitsi. Pasawanezve anosuduruka pamwoyo wenyu.
2
Ndinokutetererai izvi kuburikidza nomurudo rwunokubatanidzai naBaba naMweya Mutsvene...
3
(Taura chaunokumbira)*
4
Namatirawo vatadzi: Baba musina mugumo, tarirai nameso etsitsi marudzi ose pasi pose, anotarisira kuMwoyo werudo netsitsi weMwanakomana wenyu Tenzi wedu Jesu Kristu. Nomukutambudzika kwake kunoisvosuwisa, ndiitireiwo tsitsi kuti ndigogonawo kupa mbiri kuukuru hwenyu kwemisi isingaperi. Amen.
5
Zuva 1: Vanhu vose zvikuru vatadzi
6
Zuva 2: Vapristi navapikiri
7
Zuva 3: Vakatenda vose
8
Zuva 4: Vasingatendi
9
Zuva 5: Kubatana kwamakristu
10
Zuva 6: Vanozvidukupisa navarombo
11
Zuva 7: Vana
12
Zuva 8: Mweya iri mupurigatori
13
Zuva 9: Vakarukutika
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.