1
Jesu Mwari makati, "Kumbirai muchapihwa; tsvagai muchawana; gogodzai muchazarurirwa." Onai ndinopfugama patsoka dzenyu, ndakazara nechitendero chipenyu uye chivimbo mune zvakatsidzirwa noMwoyo Mutsvene wenyu. Ndinouya kuzokumbira izvi...
2
(Kumbira chaunoda)
3
Ndinotizira kwamuri Mwoyo waJesu, nokuti mamuri ndinowana nyaradzo pandinorwadziwa, dziviriro pandinoshungurudzwa, simba pandinoremerwa nemiedzo, chiedza pandinokahadzika kana kutibikirwa nerima.
4
Jesu wadiwa, ndinotenda zvakasimba kuti munogona kundipa nyasha dzezvandinokukumbirai. Muri Mwari wetsitsi uye mwoyo wakatyoka uri pachokwadi hamuurambi. Nditariseiwo nameso etsitsi. Ndinokutetererai kuti mwoyo wenyu wakanaka uone marwadzo noundonda hwangu, sechikonzero chokunzwa munamato wangu.
5
Mwoyo Mutsvene, ndinogamuchira mhinduro yose yamuchapa kune zvandinokumbira. Ndinotsidza kuti ndicharamba ndichikupfugamirai, ndichikudai, ndichikurumbidzai uye ndichikuitirai. Jesu wangu, fadzwai nokugamuchira izvi sokuzvipira kwangu kwakaruramisa kuita zvinodikanwa noMwoyo wenyu unopfugamirwa. Izvi ndizvowo zvandinoshuwira kuti zvizadziswe mandiri uye nezvisikwa zvenyu zvose nokusingaperi.
6
Ndipeiwo nyasha dzandinokumbira ndakazvirereka kuburikidza nomuMwoyo Usina mhaka waAmai venyu. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.