1
Rangarirai imi Maria Mhandara Tsvene izere nyasha, kuti hazvina kumbozikanwa nakare kose kuti makarambira avo vakatizira kwamuri vachida kubatsirwa kana kurevererwa nemi. Muchokwadi ichi, ndinotizira kwamuri imi Mhandara Tsvene, yemhandara tsvene dzose, imi amai vangu. Ndinouya ndichimira pamberi penyu, ndichirwadziwa namatadzo angu. Amai vaMwari, Izwi akava munhu, inzwaiwo kudemba kwangu, mundiitirewo tsitsi, mundidairewo. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.