1
N. Mutsvene mune mbiri, pakuombekwa kwangu makasarudzwa somuchengeti uye sechapupu chemhiko dzangu, nezita renyu ndakaitwa mwana waMwari, ndikatsidza kurasa satani namabasa ake uye hunyengedzi wose. Ndibatsireiwo nereverero yenyu ine simba kuzadziso zvitsidzo izvi zvinoera.
2
Imi makaitawo zvitsidzo izvi pamaiva pano pasi mukazvichengeta makatendeka, izvo zvakakuwanirai mubairo kudenga. Ndino daidzwawo kumufaro mumwechete iwowo wamuri. Rubatsiro rwumwechete irworwo rwunopiwawo ini kuti ndigone kuwana mbiri nokusingaperi. Makakunda miedzo yakafanana neyandiri kusangana nayo.
3
Murevereri wangu Mutsvene, ndikumbirireiwo kuti nomukutevera muenzaniso wenyu uye ndichibatsirwa neminamato yenyu, ndigare upenyu hutsvene, ndive nomugumo wakanaka, ndigosvika kuupenyu husingaperi ndichirumbidza nokutenda Mwari pamwe nemi kudenga.
4
Ndinokumbira kuti mundirevererewo kuna Mwari, kuti kana kuri kuda kwake kutsvene ndiwanewo izvi...
5
(Taura chaunoda).
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.