1
Zuva rokutanga Jeradhi Mutsvene makangogara makazara nechitendero ndiwanireiwo chitendero nemwoyo wangu wose zvose zvandinodzidziswa kutendera nesangano dzvene raMwari kuti ndishingirire kugara upenyu utsvene kuti ndiwane mifaro youpenyu husingaperi.
2
Kwaziwai Mariya........ (x9)
3
Zuva rechipiri Jeradhi Mutsvene womwoyochena, kubvira pauduku hwenyu makanga musina hanya nezvinhu zvapasi pano ndibatsireiwo kuti ndiise ruvimbo rwangu nguva dzose muna Jesu Kristo chete uyo anova upfumi hwangu hwechokwadi uye ndiye chete anogona kundipa mufaro zvino nemisi isingaperi.
4
Kwaziwai Mariya x9
5
Zuva retatu Jeradhi Mutsvene munobwinya norudo, makakwanisa kuona rudo rwezvapasi samarara. Makapira upenyu hwenyu kushandira Mwari nevamwe muchikudza mbiri yaMwari mukuzvininipisa kwenyu uye maigarobatsira vari mumatambudziko nekunyaradza vanosuruvara. Ndinokumbirawo kuti mundiwanirewo gomborero rokuda Mwari oga anova ndiye runako rwose nokuda vamwe pamusana pake, ndizogara naye mumbiri yake isina mugumo.
6
Kwaziwai Mariya x9
7
Zuva rechina Jeradhi Mutsvene ruva dzvene risina chinongo, namagariro enyu akafanana nengirozi uye upenyu hwenyu hutsvene hwamakararama makagamuchidzwa naamai vedu Mariya Mutsvene pamwe nomwana wavo zvivimbiso zvakanakisisa zvorudo, ndinokumbirawo kuti kurwisana nouipi ndigozowanawo ndaza inowanikwa yakamirira avo vakashinga vari muchokwadi.
8
Kwaziwai Mariya x9
9
Zuva rechishanu Jeradhi Mutsvene muenzaniso wekuteerera kutsvene, imi makazvirereka mukazviisa pasi peavo vaive vari pachinzvimbo chaJesu Kristo kwamuri muupenyu hwenyu, nenzira iyi makaeresa mabasa enyu epasi. Ndikumbirireiwo kuna Mwari gomborero rokuzviisa pasi pekuda kwaMwari nguva dzose uye kuti ndiwanewo chipo chekuteerera muna zvose kuti ndigotevera Jesu anova ndiye muenzaniso wangu akateerera kusvika pakufa.
10
Kwaziwai Mariya x9
11
Zuva rechitanhatu Jeradhi Mutsvene imi makagona chaizvo kutevedzera Jesu Kristo mununuri wedu aiva nembiri huru yekuzvirereka. Ndikumbirireiwo kuti nokuziva huduku hwangu pamberi paMwari ndigokodzerawo kupinda muumambo hwokudenga uhwo hwakapikirwa vanozvirereka nokuzvidukupisa momwoyo yavo.
12
Kaziwai Maria x 9.
13
Zuva Rechinomwe Jeradhi Mutsvene gamba risina kumbokurirwa nechii zvacho makatirira zvikuru mumatambudziko, imi makawana mbiri muhutera hwenyu uye makasangana
14
nemanyepo ane hutsinye mukasvorwa asi imi makafara kutambudzika pamwe naKristo , ndikumbirireiwo kutsunga nekuzvipira kwamuri mumatambudziko angu kuti ndigoshinga mukutakura muchinjikwa wangu uyo unozondiwanira ndaza(chiremba) yembiri isingaperi. Kaziwai Maria x 9.
15
Zuva Rerusere Jeradhi Mutsvene mudi wechokwadi waJesu ari musakaramende kwazvo reyukaristiya imi makapfugama nguva yakareba chaizvo pamberi petabhenakoro apo makaravira mifaro yeparadhiso. Ndibatsireiwo kuti ndive norudo rusungambofi kuna Jesu uyewo kuti ndigamuchire yukaristiya sande kakawanda zuva roga roga ndirambe ndichikura murudo rwake rutsvene ndigowanawo gomborero rokuda Jesu.
16
Kaziwai Maria x 9.
17
Zuva Repfumbamwe Jeradhi Mutsvene mwana akadiwa zvikuru nedenga,
18
imi muchiri mudiki makapihwa mwana Jesu namai Maria , vanova vakauya kwamuri mapfiga maziso enyu murufu. Ndinokumbira mundikumbirirewo kuti nditsvage nokuda amai vakakomborerwa muupenyu hwangu, kuti vave mufaro nenyaradzo yangu mumupata wemisodzi kusvika ndabatana nemi pamberi pechigaro chaMwari ndigorumbidza runako rwake kwemisi isingaperi. AMEN.
19
Kaziwai Maria x 9.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.