Ndakanga ndakundikana
Methodist Nziyo 105
1
Ndakanga ndakundikana Nokuipa kwenyika, Ndakachema ndakuvadzwa Ndapererwa nesimba; Asi Mwari wakandinzwa Akandigamuchira.
2
Uyaiwo vakaneta Nokuda kwezvitadzo, Vanoshonha navakorwi, Vashinhwi navatuki, Uyaika munodanwa, Munoshovedzwa mose.
3
Siya nyika urarame, Tura mutoro wako, Tora jokwe rakanaka, Udzidze kuna Jesu, Hapana mumwe M'ponisi Saka uya kwaari.
4
Kwaari kuno kupona, Pamwe nokuzorodzwa, Rufaro, ruregerero Simba idzva zviripo; Nemi madaidzwa naye, Uyai muponiswe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.