Bhaibheri

Mweni anogogodza

Methodist Nziyo 106

1

Mweni anogogodza Zvakapfava zvikuru, Anodisa kupinda Ano rudo rukuru.

2

Usapfigire kunze Mudzidzisi mukuru Nokuti anouya Namashoko makuru.

3

Vazhinji vakapona, Nesu tingaponewo Kana tagamuchira Mazwi oruponiso.

4

Mweni uyu ndiJesu, Angafare zvikuru Kuva newe kudenga; Zvipire iye zvino.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.