Bhaibheri

Zvingagova sei kuti

Methodist Nziyo 119

1

Zvingagova sei kuti Ndisunungurwe naIshe? Ndiye wakafira ini Ndakamukonzera kufa? Chishamiso chakadini! Mwari makafira ini!

2

Ndimashura! Mwari kufa? Mazano anoshamisa! Ngirozi dzokundikana Kunzwisisa rudo rwake. Tsitsi dzake! Ngatikudze, Ngirozi dzoshamisika.

3

Wakasiya denga rake Nenzira yengoni dzake; Wakazvidurura chose, Wakafira isu vanhu Tsitsi dzake dzakanyanya Dzakasvikawo kwandiri.

4

Mweya wangu wakasungwa Namajoto ezvitadzo, Ziso renyu randiona Randipenyera zvikuru Ndakabiswawo majoto, Ndabva ndatevera imi.

5

Handitye zvino kutongwa, Jesu nezvake ndowangu, Maari ndava mupenyu, Ndaruramiswa naIshe, Ndosedera kuna Mwari, Ndipiwe chiremba naShe.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.