Muka mweya wangu
Methodist Nziyo 120
1
Muka, mweya wangu, Rasa kutya kwako, Diramhamba rako Riri pana Mwari; Muponisi wakanyora zita rangu nero ropa.
2
Ariko kudenga Kundireverera, Norudo nengoni Nero ropa rake. Rakaparadzirwa tose Ririko mberi kwaMwari.
3
Maronda aJesu Apa muchinjikwa, Anonyengetera, Anondirevera; Anochema: Regererai! Kanganwirai uyu m'tadzi!
4
Baba anomunzwa Mwana mudikanwa, Haadi kuramba Mukumbiro wake; Mweya wandiudza zvino Kuti ndazvarwa naMwari.
5
Ndakaregererwa, Ndakayananiswa, Ndava mwana wake, Handitye Kakare; Ndinosedera, ndichiti: Mwari baba! Mwari baba!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.