Makandinzvera Jehovha
Methodist Nziyo 132
1
Makandinzvera, Jehovha Munoziva zvose zvangu, Kuzorora, kusimuka, Nokufunga kwakavanda.
2
Nzira nechimiro changu Munocherekedza zvose; Shoko risati rataurwa Munotoriziva rose.
3
Ruzivo runoshamisa Rwandikomberedza chose; Nyange ndotizira kure Muripo pamberi pangu.
4
Rima harindifukidze Harindivanze kwamuri, Asi rima nechiedza zvakafanana kwamuri.
5
Zviri nhando kukutizai, Handigone kuzvivanza, Saka zvino ndozvipira, Mandikunda Mwari wangu.
6
Ndinzverei mundizive, Mundiedze, mundidzore, Mundifambise munzira Yenyu nokusingapere.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.