Ndoisa pana Jesu
Methodist Nziyo 131
1
Ndoisa pana Jesu Zvivi zvangu zvose; Anonditakurira Mutoro mukuru; Ndounza kuna Jesu Mhosva dzangu dzose, Ndinoda kushambidzwa, Nditsveniswe kwazvo.
2
Ndoisa pana Jesu Nhamo dzangu dzose Anorapa zvirwere Anondinunura; Ndounza kuna Jesu Dambudziko rangu, Anonditakurira, Ndigorerukirwa.
3
Ndozorodza kwaari Mweya wakaneta, Ndorinda zvakanaka Pachipfuva chake; Jesu Emanueri, Ndoda zita rake; Anesu nguva dzose Ndiye Muyamuri.
4
Ndoda kuva saJesu, Wanga akapfava, Ndiye mwana mutsvene Wababa wedenga; Ndoda kuva naJesu, Agondidzidzisa Kuti ndikurumbidze Pamwe nengirozi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.