Rakanaka iro zuva
Methodist Nziyo 138
1
Rakanaka iro zuva Randakatenda kuna She! Mwoyo wangu fara zvako, Udza vanhu vose naro.
Chorus
Ranaka, ranaka, RaJesu wakandishamba! Iye wakandidzidzisa Kurinda nokuteura: Ranaka, ranaka, RaJesu wakandishamba!
2
Chanaka chitenderano Chinondisunga kuna She! Ngaizadzwe imba yake Norwiyo rwandinoimba.
3
Rakapera basa guru! Ndiri wake, uri wangu; wakandizvuva norudo Ndikamutevera ini.
4
Mwoyo wangu chizorora! Wakatsaukaniswa kare; Rega kubva kuna Ishe, Kwa'ri zvose zvakanaka.
5
Nokudenga chakanzwikwa I'chitenderano changu; Napakufa ndingatende Nokuti'ni ndiri wake.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.