Vazhinji vanayo nhaka
Methodist Nziyo 140
1
Vazhinji vanayo nhaka Yavanozviinzwa nayo; Vazhinji vanayo pfuma Vanozvifarisa nayo.
2
Handizvidze zvipo zvenyu Zvohwu upenyu huripo; Asi imi Ishe Jesu Muri nhaka yangu kwazvo.
3
Kunyange ndanga ndisina Zvinhu zvoruno rugaro; Ndinemi muridzi wazvo, Ndine zvinhu zvose nemi.
4
Kana mava wangu Jesu Ndakwana nezvinhu zvose; Nezvi zviripo ndezvangu, Nezvinouya ndezvangu.
5
Neino nyika ndeyangu, Nairo denga nderangu; Nahwo upenyu ndohwangu, Nokunakirwa ndokwangu.
6
Hahupere uhwo'penyu Huri nhaka yangu nemi; Kunakirwa hakupere, Kwandakawana kunemi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.