Ndinofara kuti baba wedu
Methodist Nziyo 141
1
Ndinofara kuti baba wedu Wareva rudo rwake rukuru, Murugwaro rwake rwakanaka Ndonzwa kuti Jesu anondida.
Chorus
Ndinofara Jesu wandida, Anondida, anondida; Ndinofara Jesu wandida, Ini anondida.
2
Kana ini ndichimukanganwa Iye anogondiyeuchidza; Zvino kwaari ndinodzokera, Ndonzwa kuti Jesu anondida.
3
Jesu anondida ini kwazvo, Saka wandipa upenyu hwake ; Kutadza kwangu wakakufira; Ndonzwa kuti Jesu anondida.
4
Mwoyo wangu uno Muyamuri Ndinotenda Jesu Mununuri; Zvino ndinogomubatirira Nokuti ndonzwa Jesu wandida.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.