Mwari runondishamisa
Methodist Nziyo 156
1
Mwari runondishamisa. Rudo rwenyu kwandiri, Kutambura ndatambura, Asi imi muneni.
2
Pakurwara ndakarara. Ndovimba nemi Jesu; Ndigadzirirei nzira Yokuuya kwamuri.
3
Hamunete kubatsira Varwere vatambura Nokurwara kwamakore Nezvirwere zvizhinji.
4
Itaiwo kuti hama Neshamwari dzitende; Varege kuora mwoyo Nokuti ndiri ndonda.
5
Musi womondidaidza Ndingafara zvikuru, Nokuti ndinozogara Pachigare chitsvene.
6
Kunyange rima rouya Romumvuri wokufa Imi Jesu, Mununuri Munondiperekedza.
7
Kumusha wenyu kudenga Kunogara vatsvene, Vadyi venhaka yedenga Nokusingazopera.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.