Ndiani mhandu iyi
Methodist Nziyo 157
1
Ndiani mhandu iyi Inorondomara, Yoringa vari pasi Nehanzu yesimbi? Yovirima nesimba, Pfumo, nebakatwa, Yosangana naMwari Wuto ndokutiza.
2
Nako kureba kwayo Vose vakaitya, Votiza Goriati Somukundi wavo; Reva kuti ndiani Mhandu yedu nhasi? Ndihwo utadzi hwangu, Nechitadzo changu.
3
Musimba rake Jesu Ndorwa saDavhidhi, Nyange ndisina zvombo Simba ndiye Jesu; Ndofunga tsitsi dzake, Ndinokonya nadzo, Ndotsveta mweya wangu Pano rudo rwake.
4
Ndonanga nechimvii Kuna Goriati; Mwari wati zvidaro Ndichakunda chivi; Necho chitsidzo chake Ndinokonya naShe, Ndinokunda chokwadi Nokuti wadaro.
5
Musimba rake Mwari Ndonanga kumhandu, Simba ndirwo rutendo Rinokunda mhandu; Rutendo muna Jesu Runodema chivi, Rwonanga pane simba, Rwomuwisa pasi.
6
Simukai maKristu, Muchitanda mhandu Mutunhe wematenga Anokunda chivi; Anosvika ndiJesu Kuzokupa simba, Haabate bakatwa, Kurwa ndiko kwake.
7
Ishe musi nomusi Woonesa simba Wodzikamisa mhandu Nokuiuraya; Mwari, tiyamurei Kuti tiparidze, Kuti nyika izive Simba rake Jesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.