Bhaibheri

Rudo runopfuura kuziva

Methodist Nziyo 174

1

Rudo runopfuura kuziva Ndipei irworwo; Rudo ngaruzadze mwoyo wangu, Rudo rwaShe Jesu. Urwu rudo rwakaoneswa NaJesu Kristu, M'ponisi wangu, Urwu rudo ruve mandiri, Ndizadziswe norudo.

2

Kunyange ndichinzwisisa zvose, Ndisinarwo rudo, Kunyange ndinokutenda kwose, Handisiri chinhu.

3

Kunyange ndagovera varombo Zvose zvandinazvo Ndikabvumira kuti ndipiswe, Handiwane chinhu.

4

Rudo runo mwoyo murefuwo, Rudo rune tsitsi, Harutsamwe, haruite shanje, Haruna manyawi.

5

Rudo haruzvitsvakire zvarwo, Harunazve shura, Harufarire kusarurama. Asi idi chete.

6

Rudo rune tariro pazvose, Runotenda zvose, Rudo runoshirira pazvose, Harutongopere.

7

Kutenda, netariro, norudo, Ndizvo zvinogara. Asi chikuru pakati pazvo Ndirwo urwu rudo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.