Sedera mweya wangu
Methodist Nziyo 175
1
Sedera, mweya wangu. Uya kuna She wangu, Uya sezva wakaita. Usanange panorufu, Sedera, mweya wangu.
2
Zvicheme, mweya wangu, Zvose zvitadzo zvangu; Zvakaipa zvinonyadza, Asi ini ndichinazvo, Zvicheme mweya wangu.
3
Namata mweya wangu, Uya kuMununuri; Daidza iwe kuna She Anonzwa iye kudenga; Namata, mweya wangu.
4
Vimbazve, mweya wangu, Tenda kuna She wangu; Wakambouya panyika Kuti ndiende kudenga; Vimbazve, mweya wangu.
5
Pembera, mweya wangu Pano M'ponisi wangu; Wakauya kundifira, Ndakaregererwa naye; Pembera, mweya wangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.