Jesu Mambo worugare
Methodist Nziyo 176
1
Jesu Mambo worugare Ngatibvumirane nemi; Revai shoko mupedze Nharo nako kupesana.
2
Zvose zvinokanganisa, Nezvo zvinowanzonetsa, Ngazviraswe kure zvose Zvigokundwa nokudana.
3
Uchenye, nokutsutsumwa, Nezvinotsamwisa zvose, Zvigobviswa, zvipedziswe Nokuregerera kwenyu.
4
Itai kuti tidane, Takapfava, tine tsitsi, Pakufunga, napamazwi, Tive semi, Ishe wedu.
5
Titakudzane mitoro, Tinzwirane, tiyam'rane, Tiratidze vose vanhu Mugariro waMaKristu.
6
Tichenjerere kudada, Ngatifambe norukudzo; Nomu udzame hworudo, Nourefu hwoutsvene.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.