Bhaibheri

Nokuchema kwandiinako

Methodist Nziyo 198

1

Nokuchema kwandiinako, Ngozi yakandibata ichakundwa, Vandarindira Mwana wepfumo jena achauya, Nhasi muvengi wangu achaona.

2

Nokusungwa kwandiinako, Gasho romwoyo wangu richachekwa Zvandarindira Jesu wokumatenga achauya, Yose misungo achaidimura.

3

Norufaro rwenyika ino, Nyika yamunoona ichatongwa, Musi unenge Mwana wepfumo jena ava pano, Zvose zvamunoona zvichapera.

4

Noupfumi hwamunoona, Nhaka yenyika ino ichapera, Musi unenge Jesu wokumatenga ava pano. Zvose zvamunoona zvichapera.

5

Nomutongi wenyika ino, Mambo wenyika ino achatongwa, Musi unenge Mwana wokumatenga ava pano, Jinda renyika ino richachema.

6

Nhasi pano, dzokai mose, Mambo wokumatenga ari pano Watinoreva Jesu wokumatenga ari pano, Uyai mose mose muponiswe.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.