Bhaibheri

Mumhanzi uri kudenga

Methodist Nziyo 201

1

Mumhanzi uri kudenga, Kana wozoridzwa iwo, Nokuriridza kukuru, Kana kozonzwika iko, Kunoparura makuva Kutsemure napanyika.

2

Negungwa rinovabisa Vose varakambomedza, Nenyika inovabisa Vose vakanga vavigwa, Vagomuka mumakuva Vagoenda pakutongwa.

3

Vati ivo vakafira Pane zvakaipa zvavo Vachamiswa pakachena Pamberi paChangamire, Vazvipindurire vega Vagorangwa zvinorwadza.

4

Bedzi vakabvuma Jesu Vanopona noyu musi, Vachafara pamwe chete Vanozopinda kudenga, Vaine mibairo yavo Vaino Muponisi wavo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.