Bhaibheri

Wouya wouya Mucheki mukuru

Methodist Nziyo 202

1

Wouya, wouya, Mucheki mukuru, Vanhu vachaona Ishe wokudenga; Vanogozomutswa vari kumakuva, Kuti vaonekwe vose pakachena.

2

Mucheki ndiJesu wakatambudzika, Kuti vaponiswe norudo rwababa, Avo vakamuda havachatongiswa Nokuti vamire naIshe wedenga.

3

Asi vasingadi kunzwa dama rake, Rokuti vadzoke pane chakaipa, Vakatozvikona pamberi poM'cheki Vakatozvipinza pakutambudzika.

4

Ngatidzoke tose pakuipa kwedu, Tinzwe izwi rake, tinamate tose, Ishe ari pano anotsvaka iwe, Inguva nazvino, uya ugam'chire.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.