Bhaibheri

Onai vadzidzi venyu

Methodist Nziyo 227

1

Onai vadzidzi venyu Jesu taungana Muzita renyu, M'ponisi, Takataririra.

2

Tokugarirai Ishe Takasanganiswa; Tinovimba nezwi renyu Tichakuwanai.

3

Muri pano pamwe nesu, Chizviratidzai, Mwana, waMwari mupenyu, Tigokuzivai.

4

Watinoda timuwane, Jesu wakambofa; Tione maronda enyu, Imi M'firi wedu.

5

Itai kuti titende, Muchiti kunesu; 'Musave vasingatende', Chivimbai neni.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.