Tichiri vapenyu
Methodist Nziyo 228
1
Tichiri vapenyu, Tichionanazve; Ngaakurumbidzwe Jesu Nadzo ngoni dzake.
2
Takachengeterwa Ruponiso pano; Ngatikurumbidze Jesu Tiri mberi kwake.
3
Takaona nyatwa, Pamwe namadzudzo; Takarwisana nokutya, Chingotasangana.
4
Jesu muna zvose Wakatiburitsa; Nesimba rorudo rwake Wotivhumbamira.
5
Ngatidade naye Naro simba rake, Simba rotiponisisa, Tisazotadzazve.
6
Zvino ngatitore Muchinjikwa wake, Tirase zvose zvenyika, Timuwane Jesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.