Nguva yakanakisisa
Methodist Nziyo 232
1
Nguva yakanakisisa Yokukurumbidza, Kana tadzoredzaniswa Pam'soro kudenga; Ndizvozvo tichanzwa mazwi Echisimbisiso, Chokuti kana tikafa Pane ino nyika,
Chorus
Tinosangana kudenga Neropa raJesu, Nokutenda kuna Jesu Tichasanganiswa.
2
Kunakisa korugare Rwakasunga mwoyo; Isu kana taungana Muzita raKristu, Mwanakomana wababa, Wakakomborerwa! Ndiye chivimbo chokuti Tichasanganiswa.
3
Nyangwe, tsoka dzakaneta Dzichayambukira Zambuko rinendarama Nokukurumidza; Apo patakagarirwa Navo vanotida Vanokuridzira isu Kuti tiyambuke.
4
Nyangwe takatsaukaniswa Navo vatinoda Tichazosangana navo Patsoka dzaIshe; Tigogara naye Jesu Pane iyo nzvimbo Tisingatsaukaniswe Pahukama humwe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.