Bhaibheri

Mununuri ndinomuda

Methodist Nziyo 25

1

Mununuri ndinomuda Kuti anondiponisa, Ndinobiswa pano rufu Ndinopinzwa paupenyu.

2

Mununuri ndinomuda Kuti wandiregerera; Wandiparadzira ropa Wakaripa mhosva yangu.

3

Mununuri ndinomuda, Kuti wakandishambidza; Wandibisa zvakaipa, Nezvitadzo zvangu zvose.

4

Mununuri ndinomuda, Kuti wandivhenekera; Wabisa upofu hwangu Wandiburitsira mwenje.

5

Mununuri ndinomuda Ndimuperekedzi wangu; Shoko rake ndiwo mwenje Wokuchenga tsoka dzangu.

6

Mununuri ndinomuda Ndiye muyamuri wangu Kana ndiri pakurwara, Ndinosimbiswa naiye.

7

Mununuri ndinomuda Kuti ndiye simba rangu, Anokunda dzose hondo, Dzinonetsa mwoyo wangu.

8

Mununuri ndiye Jesu, Rakakomba zita rake; Ngandikwanisiswe ini. Pano rununuro rwake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.