Bhaibheri

Ndinokurumbidza

Methodist Nziyo 26

1

Ndinokurumbidza Kristu wamasimba Ngatimurumbidze tose; Iye Ishe woga, Wakasika zvose Nokushovedzera kwake.

2

Wakava muranda Kutitakurira Dambudziko redu rose; Wakaparadzira Ropa rake dzvene, Kusunungura vasungwa.

3

Zvino wakamuka Mukundi wehondo Wakasunga zvakaipa; Wakavaparadza Vavengi vabvuma Kuti ndiye Ishe woga.

4

Ari kutitonga Netsitsi norudo, Nenjere nokururama; Vatizira kwa'ri Vanozoponiswa Vanozowana upenyu.

5

Tinokuomberai Ishe worufaro, Umambo hwenyu hukuru; Kunaka nengoni Zvichawanda kwazvo Nyika yose ive tsvene.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.