Bhaibheri

Ishe makamboburuka

Methodist Nziyo 257

1

Ishe makamboburuka, Muchigombosiya denga, Pamwe noushe hwenyu; Ndimi Ishe makaiteri.

2

Ishe, makavinga munhu Kuti muzomununura Nokumupa Mweya wenyu; Ndimi Ishe makaiteri.

3

Ishe makavinga nyika, Kuti mugoinunura Nokupira ropa renyu; Ndimi Ishe makaiteri.

4

Ishe tungamirai nyika Kuti inange kwamuri, Ichiita kuda kwenyu; Ndimi Ishe mungaiteri,

5

Ishe, dzimai kubayana, Kusina chakunotipa, Kunopunza misha yedu; Ndimi Ishe mungaiteri.

6

Mirai nesu Changamire, Tisamire tiri toga, Munoziva shumba yedu; Ndimi Ishe mungaiteri.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.