Baba munotipa zvipo
Methodist Nziyo 258
1
Baba munotipa zvipo Zvakanaka zvakanyanya, Tipei njere namasimba Zvokushandisa zvose.
2
Tipei rugare pabasa, Tizvibate pakufara; Tishandise nhengo dzedu Sokuda kwenyu, Mwari.
3
Bisai zvinonyadza zvose Murudzi rwedu namamwe; Mundikundire zviyedzo, Simba razvo ripere.
4
Ivai nesu tisimbiswe Pakushingirira kwedu, Tigokunda mhandu dzose, Tisanete pakurwa.
5
Tenzi wedu nguva dzose Mutitungamire mberi; Kuti nyika iponiswe Tipei simba nenjere.
6
Baba ndimi matitsvaka, Rudo rwenyu rwatibata, Mweya wenyu watikomba; Tinzwei Mwari wedenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.