Mwana angazive
Methodist Nziyo 264
1
Mwana angazive Kuti Mwari rudo, Wakaruisa pachena Pasi nokudenga
2
Kana ndatarisa Kumabasa ake, Ndinorava kwesekwese Kuti Mwari rudo.
3
Maruva mazhinji Anondidzidzisa, Pamwe neshiri dzoimba Kuti Mwari rudo.
4
Nenyenyedzi dzose Dzinopenya kure, Dzinondiudza zvaMwari Kuti ari pedyo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.