Bhaibheri

Muka mweya wangu famba

Methodist Nziyo 292

1

Muka mweya wangu, famba Enda kundoita basa; Rasa nungo dzako, muka Inguva yokuteura.

2

Upfidze kukanganisa Nhasi uno uchenjere, Ushandise matarenda Sezva uchiri mupenyu.

3

Taura mazwi echokwadi Uve nomwoyo mutsvene; Mwari anoona zvose Pfungwa nezviito zvako.

4

Muka mwoyo wangu, fara, Imba pamwe nengirozi, Dzinoramba dzichiimba Dzichikurumbidza Mwari.

5

Rukurumbidzo ngaruve Kwamuri Ishe wedenga, Mandichengeta usiku Mandipamhidzira simba.

6

Ndauyazve kuzopika Tive nechitenderano; Chengai pfungwa dzangu dzose Ndizadzwe nomweya wenyu.

7

Nditungamirei nhasi Pabasa randinoita, Muzvifungo namashoko Ndikukudzei nazvose.

8

Mwari mupi wezvitsvene Ngaarumbidzwe nazvose; Rumbidzai vokudenga Baba, Mwana, naye Mweya.

9

Tarisazve nziyo idzi: 85

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.