Garai neni! zuva radoka
Methodist Nziyo 293
1
Garai neni! zuva radoka; Rima rasvika; garai neni! Vamwe vayamuri vakoniwa Ishe Muyamuri, garai neni.
2
Ndinokutsvakai nguva dzose; Ngoni dzenyu dzokunda muedzi; Ndimi chete nhungamiri yangu, Parima, pachena, garai neni.
3
Handitye kana muri pedyo; Nhamo haireme, handicheme; Rufu kukunda kwako kuripi? Ndokunda kana mugere neni.
4
Misai muchinjikwa ndotandadza; Ndivhenekerwe kuti ndione Kuyedza kunogouya zvino; Mu'penyu, murufu, garai neni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.