Bhaibheri

Mumwe musi ava mauro

Methodist Nziyo 296

1

Mumwe musi ava mauro, Varwere vakaungana, Panyasi paJesu Ishe, Vakaenda norufaro.

2

Nanhasi isu tauya, Tosedera nezvirwere; Mumhu wenyu hatione, Toziva kuti muripo.

3

Tandai madzudzo edu; Vamwe vanorwara kwazvo; Vamwe havanyatsokudai; Vamwe vakarasa rudo.

4

Vamwe vakaneta pano, Vakashaya ruyamuro; Vamwe vane hama dzavo Dzinovatambudza kwazvo.

5

Vose vanoda zororo, Vanoda ruregerero; Vanoda kukushandirai Tonzwa kuipa mumwoyo.

6

Kristu imi muri Munhu, Makamboedzwa zvikuru; Meso enyu anoona Zvatinotsvaka kuvanza.

7

Simba renyu richigere; Hamuna zvinokundika. Tinzweiwo maurano Tirapwe netsitsi dzenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.