Bhaibheri

Mvura yazonaya

Methodist Nziyo 299

1

Mvura yazonaya, chipo chenyu baba, Musiki wazvose kudenga napasi; Panguva yapera takamhura isu; Mvura yanonoka, Mwari wakanganwa

2

Torima nesimba rinobva kwamuri, Tirere kuhope zvodiridzwa nemi, Tose tinorerwa mweya nomuviri, Narwo rudo rwenyu rusingasarudze.

3

Munotipa chando pamwaka wegore, Kotevera zuva, koita makore; Todyara mbeu dzamakatipa zvino. Murongi mukuru, Musiki wazvose.

4

Makasika zvose, nyenyedzi kudenga, Nzizi, namakomo, masvosve neshiri; Tipei kutenda, tipire kwamuri Zvose zvapanyika, miviri nemweya.

5

Jesu wozokohwa nemhuri yedenga, Ngative mukati medura raMwari, Tiri vanorerwa murudo rwaJesu, Vadyi venhaka pamwe naye kudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.