Ishe baba titarirei
Methodist Nziyo 300
1
Ishe baba titarirei, Nedzo tsitsi dzenyu, Isu tese tasangana Tiri mberi kwenyu.
2
Inzwai kuchema kwedu Tinosuwa kwazvo; Onai kushaya kwedu Tiitirei tsitsi.
3
Nyika yose yakaoma Nokuoma uku, Heyi mhuri ine nzara Zvose zvinopera
4
Tiitirei tsitsi She Tinovimba nemi; Tokumbira mvura zvino Kunyorozva pasi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.