Tinokutendai baba
Methodist Nziyo 304
1
Tinokutendai baba Nemvura yamunotipa Inokudza mbeu dzedu, Tinokohwa nokufara.
2
Panguva yomunhuruka Tinorima minda yedu, Tichidyara mbeu dzose Dzinochengwa nemi baba.
3
Dakara nguva isvike zvose zvaibva muminda, Tigokohwa zvakawanda Mapfunde, zvose nezviyo.
4
Tinokuomberai baba Norudo rwenyu rukuru Ruripo rini narini Kumazuva namakore.
5
Uyai vanhu tiimbe Rwiyo rwokukudza baba Titende zvipo zvikuru zvatakakohwa muminda.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.