Bhaibheri

Hongu Mwari wakanaka

Methodist Nziyo 303

1

Hongu, Mwari wakanaka; Panyika napamakungwa Kuna mazwi anorira Kuti Mwari wakanaka.

2

Nero zuva rovheneka Rofuka pasi nechedza, Nenyenyedzi dzenge dzoti: Idi Mwari wakanaka.

3

Neshiriwo dzinorira Nemvura yomunhuruka, Nomwando wofefetera, Zvoti: Mwari wakanaka.

4

Ndinozvinzwawo nemhepo, Pamwe nomo mumakomo, Nechadenga chotaura, zvoti: Mwari wakanaka.

5

Zvose zvisikwa zvodaro; Takasikwa naNyadenga; Nomunhuwo arumbidze, Ati: Mwari wakanaka,

6

Nezvi zvipo zvenyu Ishe, Zvikuru kudya kwedenga Kwengoni neshoko zvoti, Titi: Mwari wakanaka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.