Rumbidzai vanhu mose!
Methodist Nziyo 31
1
Rumbidzai vanhu mose! Zvirumbidze, zvinhu zvose! Nhasi musi wokukudza. Nhasi musi worufaro.
2
Mununuri watozvarwa, Ngoni dzake dzaratidzwa, Nhasi nguva yakodzera Izuva roruponiso.
3
Haana ku'ya nehasha Wakativinga netsitsi, Wakauya kutifira, Fambisai idzi nhau.
4
Jesu anoti kwatiri: Dzidzisai ndudzi dzose, Dziuye dzose kwandiri, Ndinemi mazuva ose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.