Mukai maKristu mufare nhasi
Methodist Nziyo 32
1
Mukai, maKristu, mufare nhasi, Muponisi wavanhu wazvarwa; Kudzai rudo rwake rwakakomba Rwakaimbwa nengirozi zhinji; Ndidzo dzakaparidza mashoko Kuti Mwari wakazova nyama.
2
Vafudzi vakatanga kuudzwa Vakainzwa ngirozi ichiti: Ndauya neshoko rakakomba Kwamuri navose vapanyika; Shoko raMwari razadzisika Nhasi wazvarwa Kristu M'ponisi.
3
Ngirozi yapedza; pakarepo Dzimwe dzakaimba rwiyo rutsva Dzakarumbidza rudo rwaMwari. Denga rakatinhira nenziyo, Dzichimutenda netsitsi dzake Norugare kuvanhu venyika.
4
Vafudzi vakagomhanya kwazvo Kundoona zvavakaitirwa; Vakadzokera kuhwai dzavo Vachikurumbidza Mwari wavo; Vakaparidza zvavakaona, Vanyai vokutanga vaKristu.
5
Ngatirangarire tichifunga Urwu rudo rukuru rwaMwari; Titarise kuMwana Mutsvene, Zvaakananga kumuchinjikwa; Nengoni dzake timutevere Tidakare tisvike kudenga.
6
Kana tasangana nengirozi Taponiswa tichafara kwazvo, Iye wazvarwa nomusi uno Timuone nokubwinya kwake; Takaponiswa norudo rwake Tichamukudza Mambo wedenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.