Bhaibheri

Pausiku hwoutsvene

Methodist Nziyo 34

1

Pausiku hwoutsvene Kune nyika iri kure, Yakapenya nyenyedzi yaTenzi, Chioneso chaMwari wediko, Iye Tenzi wazvarwa, Iye wazvarwa Mesiya.

2

Baba wakashama Mai vake vakafara, Mwana wavo M'ponisi wavanhu, Wakakudzwa zvikuru naMwari, Pasi pose chifarai! Mwari wazotishanyira.

3

Mune danga radzo mombe, Wazozvarwa mwana mutsva, Ndiye mwana waMwari mupenyu Ndiye rudo rwababa kunesu, Ndiye mudi wavanhu, Nomudikanwa wavose

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.