Bhaibheri

Vafudzi vebetrehem

Methodist Nziyo 35

1

Vafudzi vebetrehem Vaigara musango, Vakaona ngirozi Yakauya ichiti: Musatye! Ndauya norufaro Rwavanhu vose! Mazvarirwa Muponisi, Zita rake ndiye Jesu; Endai mumuone Muimba yezvipfuwo.

2

Kwakauya vazhinji Veboka rokudenga, Namazwi erumbidzo Voimba pamwe chete; Tererai mazwi avatumwa Vanorumbidza: Ngaarumbidzwe kumsoro, Mwari mambo wokudenga, Rugare panyika Pane vaanofarira.

3

Nhasi tinonyeverwa Ayo mazwi ekare; Ngirozi hatione Asi tine chokwadi Wazvarwa mumwoyo yedu, Mwana waMwari, Tinorumbidza norudo Kristu Ishe Muponisi, Rugare panyika Nokusingapere.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.