Tarirai kubetrehem
Methodist Nziyo 39
1
Tarirai kubetrehem, Musha waDhavhidhi Pam'soro perima rawo Nyenyedzi dzopenya; Pa'ri urimo Mwenje Unopenya kwazvo Vanhu vose vamakore Vanofadzwa nawo.
2
Imi nyenyedzi dzose. Paridzai shoko, Rumbidzai kuna Mwari, Fadzisai vanhu; Nokuti wakazvarwa Mwana waMaria, Imbai imi ngirozi Norudo rukuru.
3
Wauya chinyararire Chipo chakakomba Zvinouya nokudaro Zvipo zvokudenga; Hapana anomunzwa. Asi vanomuda Nemwoyo yakapfavisa Vachamugam'chira.
4
Mwana M'tsvene webetrehem Burukirai isu, Tandanisai kuipa, Muzvarwe matiri; Ngirozi dzinoimba Nyaya dzakanaka; Pindai zvino, garai nesu, Ishe Manueri.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.