MaKristu ngatirumbidzei
Methodist Nziyo 40
1
MaKristu ngatirumbidzei Nemwoyo namazwi edu, Tererai kwatiri, A! A! Jesu Kristu wazvarwa, Mombe dzinomukudza Arere mudanga zvino; Kristu wazvarwa, Kristu wazvarwa.
2
MaKristu ngatirumbidzei Nemwoyo namazwi edu, Rufaro harugume, A! A! Jesu Kristu wazvarwa, Tazarurirwa denga, Takomborerwa zvikuru; Kristu wazvarwa, Kristu wazvarwa.
3
MaKristu ngatirumbidzei Nemwoyo namazwi edu, Hatichazotya kufa, A! A! Jesu Kristu wazvarwa, Anokudaidzai Kuti mupinde kwaari; Kristu wazvarwa, Kristu wazvarwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.