Kudza Jehovha
Methodist Nziyo 4
1
Kudza Jehovha, Mwari ane simba, Anofarisa mwoyo yavanhu; Anosimbisa vakati rukutu, Anovaponisa vakatadza.
2
Kudza Jehovha, Ishe ane ngoni, Wakatiitira tsitsi dzake, Wakaregerera kuipa kwedu, Wakatitumidza vana vake.
3
Kudza Jehovha wakatifadzisa, Zvose zvipo zvake zvakanaka; Tinozorora pamaoko ake, Tino rufaro norunyararo.
4
Kudza Jehovha, Mwari Ishe wedu Wakatipa Kristu mwana wake Kudza Jesu, wakatifira isu, NaMweya Mutsvene, ngaakudzwe
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.