Vakafara vano urombo
Methodist Nziyo 46
1
Vakafara vano urombo Vachawana ushe hwedenga, Kunzi ndohwavo.
2
Vakafara vanozvichema, Vachawana chivaraidze, Mweya wedenga.
3
Vakafara vanyoronyoro, Vachawana zvikurukuru, Nhaka yedenga.
4
Vochemera zvokururama, Vachagutswa zvikurukuru Nokururama.
5
Vakafara vazere nyasha. Vachapiwa nyasha dzedenga, Dzavanotsvaka.
6
Vano mwoyo wakacheneka, Vachafara kuona Mwari, Wavanotsvaka.
7
Vanoshinga kutsvaka Mwari, Vachapiwa Mweya wokuva, Vana vedenga.
8
Ivavo vokuyananisa, Vachazonzi vana vaMwari, Vana vedenga.
9
Vakafara vatambudziki, Pam'sana pokururama, Ushe ndohwavo.
10
Faraika vari munyatwa, Muchatuswa zvikurukuru, Tuso ndiJesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.